Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 28, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 28, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vashandi zviuru nezviuru vakarasikirwa nemabasa avo pasina muripo muna 2016 kuburikidza nemutongo weZuva Petroleum, vanonzi nedare repamusoro soro vanofanirwa kuripwa mari dzavo nemakambani avaishandira kwemakore akawanda.

Vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vakamirira MDC Alliance, VaNelson Chamisa, voita hurukuro nevagari vemuGlen Norah.

Vanhu vosimudzira hurongwa hwekuti hurumende isambaradze kutsvaka kwayo murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika makore matatu apfuura, VaItai Dzamara, kuburikidza nekuungana muAfrica Unity Square mazuva ose kubva na 1pm kusvika 2pm.

Vari kuda kushanyira hama neshamwari pazororo re Easter votadza kuwana mari dzinovakwanira sezvo mabhanga ari kuvapa mari iri pakati pemadhora makumi maviri nemadhora makumi mashanu chete.

Bato reZapu rinoparura zvarichaitira vanhu kana richenge rakunda musarudzo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevari kunze kwenyika mukuedza kusimudzira nyika kuburikidza nekunotanga mabhizinesi kana kunoshandira makambani ari munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG