Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi 23, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi 23, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende youmba matare achatonga nyaya dzemhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika munguva yesarrudzo.

Vatsigiri veZanu-PF voratidzira pamuzinda webato iri vachiratidza kusafara nezviri kuitwa mukusarudza vacharimirira bato musarudzo dzemaprimary.

Vagari vekwaChiyadzwa voratidzira vachiti havasi kufara nehuori huri kuitwa nehurumende mukucherwa kwemangoda.

Vanamukoti vange vachiramwa mabasa vodzokera kumabasa asi vamwe vachinzi vari kushanda zvishoma zvishoma.

Murairidzi weDynamos Lloyd Mutasa anoti vachirimo mukurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League kunyange hazvo vakarohwa 1-0 neCaps United nezuro.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nyaya yemakurukota ehurumende ari kuenda kunze kwenyika kuyedza kukwezva vekunze kuti vatange mabhizimisi munyika nekupa Zimbabwe zvikwereti. Izvi zviri kuunza shanduko here munyika?

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG