Vana mukoti voenderera mberi nekuramwa mabasa muzvipatara zvehurumende munyika yose izvo zviri kusiya hupenyu hwevarwere huri parumananzombe.
Gakava pakati paMuzvare Thokozani Khupe naVaNelson Chamisa ronzwikwa nemutongi wedare repamusoro muBulawayo, VaFrancis Bere.
Vagari vekuMasvingo vanoti hapana chekupemberera zororo rekuwana kuzvitonga, sezvo vanhu vakawanda munyika vachiri kutambura, vamwe vachiti vari kutambura zvakanyanyisa kudarika hupenyu hwavakanga vainahwo nyika isati yawana kuzvitonga.
Nyanzvi dzotarisa zvakadzama hurongwa hwehurumende hwekuyedza kukwezva vemabizinesi vemuAmerica kuitira kuti vatange mabhizinesi muZimbabwe
Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutarisa zviri kuzvitonga kuzere kune vechidiki munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum