Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 19, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 19, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vana mukoti vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu vanoenderera mberi nekuramwa mabasa muzvipatara zvehurumende – izvo zvava kuisa hupenyu hwevarwere parumananzombe.

Nhengo dzeZanu PF kuMasvingo dzisiri kufara nemabatirwo akaitwa magwaro ekuti munhu akwikwidze musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo, dzoimba bhora musangano

Bato rePeople’s Democratic Party rinotungamirwa naAmai Lucia Matibenga rinoita musangano weExtra Ordinary Council muBulawayo

MDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe yoita kongiresi yechimbi chimbi neMugovera muBulawayo

Nyaya yekuti mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vasashandise diplomat immunity panyaya yekurova tsvarakadenga yemuSouth Africa gore rapera, yonzwikwa mudare remuSouth Africa musi 10 na 11 Chivabvu.

Studio7 inotaura nemuimbi ane mukurumbira, Thomas Tafirenyika Mapfumo, uyo akadzoka kumusha nezuro mushure mekugara kuAmerica kwenguva yakareba.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm, tiri kutarisa zviri kuitika muzvipatara zvehurumende panguva iyo vana mukoti vari kuramwa mabasa….

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG