Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 12, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzedare reHouse of Assembly dzobvunzurudza gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, kuti vatsanangure nezvechibvumirano cheZimbabwe Airways, iyo inonzi ichashandisa ndege dzakatengwa nehurumende kuMalaysia.

Dare rehouse of Assembly rinoenda pazororo bhiri rekuvandudza mitemo yesarudzo risina kupedza kuzeyiwa nemazvo izvo zvopa veruzhinji pfungwa yekuti sarudzo dzichaitwa munyika mitemo yesarudzo isina kuvandudzwa.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inozivisa mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, kuti Muzvare Thokozani Khupe havasisiri nhengo yebato iri.

Nhengo dzeZanu PF dzochema chema dzichiti pane chikiribidi chiri kuitwa musarudzo dzema primary mubato iri.

Vadzidzi vepaGreat Zimbabwe University voratidzira vachiti mari dzavari kubhadhariswa dzakawandisa zvikuru.

Vanhu vakawanda vochema chema nekuiswa kwavanoti kuri kuitwa masoja munzvimbo dzavanogara.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable pa LiveTalk na8pm, tiri kutarisa dambudziko remadzimai akazvitakura ari kunzi abhadhare mari muzvipatara asi hurumende ichiti varapwe mahara.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG