Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 10, 2018


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe inotambira nyika dzayaisimborambidza kuti dziongororo sarudzo dzakaita seBritain, America, Canada nedzimwe kuti dziongorore sarudzo dzichaitwa munyika gore rino.

Asi masangano anoona nezvesarudzo munyika anoti vekunze vanoongorora sarudzo vanofanirwa kukurumidza kupinda munyika uye vanofanirwa kukokwa neZimbabwe Electoral Commission, kwete nehurumende sezviri kuitika.

Nhengo dzedare reHouse of Assembly dzinodaidzwa kuparamende zvechimbi chimbi kuti dzizeye mitemo mitsva inofanirwa kuiswa pamitemo yesarudzo iyo mapato anopikisa nemasangano akazvimirira anga achiti ivandudzwe sarudzo dzisati dzaitwa munyika.

Dzimwe nhengo dzeZanu PF dzochema kuManicaland dzichiti sarudzo dzema primary ebato radzo hadzisi kuitwa negwara rakajeka.

Hurumende yodzosa ma youth officers mubazi revechidiki ayo akambenge agumurwa hurumende ichiti haina mari yekutambirisa vanhu ava mari.

Muchirongwa cheThe Connection paLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki mukutsvagira mapato avo rutsigiro musarudzo dzichaitwa munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG