Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Kubvumbi 16, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Muvhuro, Kubvumbi 16, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanamukoti voramwa mabasa vachida kuti mari dzavo dzemihoro dziwedzerwe, uye kuti mashandiro avo ange akagadzikana.

Vatsigiri vebato rinopikisa reNational People’s Party mudunhu reMashonaland vonyunyuta nekudzikirwa vachakwikwidza musarudzo, uye kusdavepo kwehutungamiri hwakarongeka, izvo zvinonzi zvave kuita kuti vamwe vabude vachienda kumapato akaita seMDC-T neNational Patriotic Front.

Pove nekutyisidzirana pamwe nemhirizhonga mune mamwe matunhu muMasvingo pamberi pesarudzo.

Chikwata chine gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, pamwe nagavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, chiri muNew York umo chiri kutarisirwa kupinda mumusangano wekukwezva vemabhizimusi uri kuitwa nhasi.

Vatungamiri vemubatanidzwa weMDC Alliance vosangana nevemabhizimusi vari muSouth Africa.

Sangano ravanachiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association royambira nezvechirwere che cholera muguta reHarare nematunhu akapoteredza.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa kuramwa mabasa kwavanamukoti, uye matambudziko akunokonzerawo kune veruzhinji.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG