Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 20, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 20, 2018.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vana mukoti vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu vanoenderera mberi nekuramwa mabasa muzvipatara zvehurumende – izvo zvava kuisa hupenyu hwevarwere parumananzombe.

Vana mukoti vari kuramwa mabasa vobatsira veruzhinji pachena muHarare nemuBulawayo vachiti hurongwa hwavo ndehwekuratidza kuti vane chido nevanhu

Vagari vekuMasvingo vanoti rwendo rwuno vari kuvhotera makanzura avanoziva kuti anoziva zvinofanirwa kuitwa nekanzuru kuitira kuti veruzhinji vawane zvavanotarisira kukanzuru yavo

Vagari vekuMakoni West vonyunyuta nekusarira kwakaita nharaunda yavo munyaya dzebudiriro zvisineyi kuti nyika yakawana kuzvitonga kwemakore otosvika makumi mana.

Zimbabwe inopihwa neUNICEF mari inoita miriyoni imwe chete yemadhora yekushandisa muzvirongwa zvekuwanira vanhu mvura yakachena.

Nyanzvi munyaya dzemitemo nekudyidzana nedzimwe nyika dzozeya zvinofanirwa kuitwa neZimbabwe kuti itambirwe muchikwata chenyika dzemu Commonwealth

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitika muzvipatara zvehurumende panguva iyo vana mukoti vari kuramwa mabasa….

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG