Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi 09, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi 09, 2018.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika nebudiriro musangano reEuropean Union VaNeven Mimica voshanyira Zimbabwe vachiti sangano ravo rinoda kuona munyika muchiitwa sarudzo dzakachena.

Dare ramejastiriti muHarare rinotsveta parutivi kurambidzwa kweCrisis in Zimbabwe Coalition kuratidzira musi weChitatu.

Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi vopinda muZimbabwe kuzoita musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Madzimai akazvitakura obhadhariswa kuzvipatara kunyangwe hazvo vachifanira kurapwa pachena.

Huwandu hwevanhu vanechirwere chepfungwa horamba huchikura munyika.

Muchirongwa cheLive Talk na 8;00 pm nhasi tiri kutarisa nyaya yekupokana kwehuwandu hwevanhu vanenge vari pamisangano, zvinoreva kukunda here musarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG