Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 11, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 11, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzedare reHouse of Assembly dzozeya mitemo mitsva inofanirwa kuiswa pamitemo yesarudzo iyo mapato anopikisa nemasangano akazvimirira anga achiti ivandudzwe sarudzo dzisati dzaitwa munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kuwanda kuri kuramba kuchiita mapato anopikisa kunoratidza hutongi hwejekerere asi kunogona kupa Zanu PF mukana wekukunda musarudzo dzegore rino.

Mapato makuru munyika, Zanu PF neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, osimudzira zvirongwa zvekupinda muvanhu achitsvaga rutsigiro musarudzo dzegore rino.

Meya weguta reHarare vanoti hurongwa hweguta reHarare hausi kufamba zvakanaka nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana zvinosanganisira kusavapo kwemunyori weguta, mitemo inosunga meya weguta mbira dzakondo, pamwe nekuondomoka kwehupfumi

Zviuru nezviuru zvevanhu zvinoungana muOrlando Stadium mu Soweto kuSouth Africa zvichirangarira Amai Winnie Mandela avo vakashaya svondo rapera nemusi weMuvhuro.

Vagari vekuMasvingo vochema chema nemabhiri emvura ayo vanoti akawandisa rwendo rwuno.

Muchirongwa cheLiveTalk - Diaspora Forum na8pm, tiri kutarisa dambudziko rakatarisana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvisati zvapihwa magwaro eZimbabwe Exempt Permits.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG