Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 18, 2018


طلوع خورشید بر فراز یک مزرعه گل آفتاب‌گردان در ورهایم در نزدیکی فرانکفورت، آلمان
طلوع خورشید بر فراز یک مزرعه گل آفتاب‌گردان در ورهایم در نزدیکی فرانکفورت، آلمان
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 18, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe inocherechedza kusvitsa makore makumi matatu nemasere yawana kuzvitonga - rwendo rwuno munyika muine mutungamiri mutsva, VaEmmerson Mnangagwa.

Bato guru rinopikisa reMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa rinobatana neZanu PF muhurongwa hwemhemberero dzekuwana kuzvitonga kuNational Sports Stadium muHarare.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvoita hurukuro pamusoro pezvinoreva kuzvitonga kwenyika

Varwere voyaura muzvipatara sezvo muzvipatara zvehurumende musina vana mukoti avo vakatanga kuramwa mabasa nemusi weMuvhuro vachiti vanoda kuti hurumende igadzirise zvichemo zvavo.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions roronga kuratidzira munyika yose richitsigira vana mukoti vanonzi vakadzingwa basa nehurumende nezuro nepamusana pekuratidzira kwavari kuita.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mhemberero dzaitwa nhasi pazuva rekuzvitonga takatarisa vari kunze kwenyika….

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG