Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 10, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 10, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Veruzhinji vanobatana nemadzimai evashandi vekuHwange Colliery vachishora hurumende mabatiro airi kuita nyaya yevashandi ava, avo vanonzi vava nemakore mashanu vasingabhadharwe.

Sangano revakarwa muhondo yerusununguko mudunhu reMashonaland West rinoti harichisiri kuvimba nasachigaro weZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaChris Mutsvangwa.

Studio7 inotarisa zvakadzama rwendo rwekuBritain rwemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.

Nyaya yekuti mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vasachengetedzwe nemitemo kuitira kuti vatongwe nemhosva yekurova gore rapera tsvarakadenga yekuSouth Africa, Muzvare Gabriela Engels, yonzwikwa nematare edzimhosva muPretoria.

Sangano reZimbabwe Democracy Institute robatsira veruzjinji neruzivo rwekuziva zvakadzama kodzero dzavo munyaya dzekuvhota musarudzo

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm, tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevanhukadzi

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG