Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 09, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 09, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzeparamende dzinoti hurumende yakundikana zvikuru kugadzirisa dambudziko rakatarisana nevashandi vekuHwange Colliery uko kune madzimai ari kuradzira mazuva ose achiti varume vavo havasi kubatwa zvakanaka panyaya dzemihoro.

Bato re Renewal Democrats of Zimbabwe roenda kumatare richida kuti matare aya amanikidze gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti vavandudze mitemo yesarudzo sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Masangano akazvimirira oshora zvikuru Zimbabwe Electoral Commission nekunonoka kwayo kushambadza mazuva ekuti vanhu vaongorore gwaro revavhoti.

Mutambi aive mukurumbira, Lawrence Simbarashe “Bhonzo” anoradzikwa kuChitungwiza.

Gadziriro yemaWarriors ye2018 Cosafa Cup yoita manyama amire nerongo sezvo vatambi vanobva kuEngland vasina magwaro ekufambisa emuZimbabwe sezvinotarisirwa pamutemo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa misangano iri kuitwa kuBritain nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, pamwe nezvinoreva misangano iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG