Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 26, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 26, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mhirizhonga inotyisa inoitika pakati penhengo dzeZanu PF kuChiredzi pamberi pesarudzo dzema primaries dzekutsvaka vachamirira bato iri musarudzo dzichaitwa munyika.

Magweta ozeya zvinoreva mutongo waJustice Francis Bere wavakapa nemusi weChipiri pakati paVaNelson Chamisa naMuzvare Thokozani Khupe

Nyaya yekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi yosimudza musoro panguva iyo mapato ari kupinda musarudzo dzekutsvaga vachamirira mapato aya musarudzo dzichaitwa munyika.

Makambani nevanhuwo zvavo voitwa chikwereti chemutero kuZIMRA chemari inosvika mabhiriyoni mana nemazana maviri emamiriyoni emadhora, izvo zvinonzi nenyanzvi mari iyi inogona kushandiswa kwegore rose kusimudzira mabasa ehurumende.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable paLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi kuZimbabwe International Trade Fair

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, 15460 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 13630 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG