Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzanhasi Chivabvu 7, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau Dzanhasi Chivabvu 7, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kushanya kuQatar nemamwe makurukota avo uko vakakokwa nemutungamiri wenyika iyi Sheikh Tamim bin Hamad al Thani.

Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vari kuBritain uko vari kuita misangano nevakuru vehurumende yenyika iyi.

Zanu-PF yodzokorora sarudzo dzayo dzemaprimary kunyangwe hazvo kugunun’una kuri kuenderera mberi.

Zvikoro zvovhurwa mangwana pasina kujeka kuti varairidzi vachaenda kumabasa here.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nyaya yesarudzo dzemaprimary muZanu-PF nemamwe mapato idzo dzounza mutauro wakanyanya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 13630 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG