Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 25, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 25, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair chinopinda muzuva repiri muBulawayo varongi vacho vachiti makambani ariko gore rino akakwira nezvikamu makumi mana kubva muzana zvichienzaniswa negore rapera.

Sarudzo dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo dzichaitwa munyika dzosiya mikono yakawanda yaruma pasi.

Masangano akazvimirira okurudzira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vaone kuti mitemo inobata sarudzo yavandudzwa. Izvi zvabuda pakuparurwa kwechirongwa cheFeya Feya Campaign kuMasvingo.

Vari kusiya basa sameya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti kanzuru yavo yakundikana zvikuru kugadzirisa nyaya yevanotengesa mumigwagwa vachiti kuwanikwa kwemabasa ndiko chete kuchapedza dambudziko iri

Zimbabwe inobatana nepasi rose mukucherechedza cherwere cheOtiizimu icho chanetsa pasi rose.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevari kunze kwenyika mukupa ruzivo rwechirwere che Otiizmu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, 15460 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 13630 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG