Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 11, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 11, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko, vanosangana muHarare nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachivaudza matambudziko avakatarisana nawo ayo vanoti vanoda kuti hurumende igadzirise.

MDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe yoparura gwaro rezvaichaitira veruzhinji kana bato iri rikakunda musarudzo, kana kuti manifesto.

Vaimbove munyori mukuru weUnited Nations, VaKofi Annan, votarisirwa kupinda muZimbabwe svondo rinouya kuitira kuti vasangane nemapato ane nhengo dziri muparamende nechinangwa chekuti mapato aya awiririrane zvinofanirwa kuitwa kuitira kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe.

Gurukota rezvemutemo, Zimbabwe Electoral Commission negweta guru rehurumende, havana kupikisa chikumbiro chemutungamiri webato reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma, chekuti vapihwe mvumo yekukwidza nyaya yavo kuConsitutional Court yekuti vatatu ava vavandudze mitemo yesarudzo kuitira kuti ifambirane nebumbiro remitemo yenyika zuva resarudzo risati radomwa.

Dare redzimhosva remuPretoria, South Africa, rinoti richapa mutongo waro panyaya yekuti diplomatic immunity yakapihwa Amai Grace Mugabe gore rapera mushure mekurova zvakaipisisa tsvarakadenga yemuJohannesburg, Muzvare Gabriella Engels, yaive pamutemo here kana kuti kwete.

Masangano eWorld Bank ne International Monetary Fund anoti inflation ichakwira muZimbabwe panosvika kupera kwegore rino

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri zvabuda mumusangano waVaEmmerson Mnangagwa

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

PaLet's Talk - Ngatikurukureyi tiri kutarisa zuva ravana Amai re Mother's Day richapembererwa neSvondo pasi rose.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG