Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 08, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 08, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzedare reNational Assembly dzozeya bhiri rekuvandudza mitemo inobata sarudzo.

Zimbabwe Electoral Commission yosangana nemapato ezvematongerwo enyika ichizeya nawo nyaya yegwaro revavhoti, uye kuongororwa kwaro.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, voita musangano nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuQatar

Vana vechikoro vodzorwa kudzimba nezvikoro zvasiyana siyana munyika yose vachinzi havana kubhadhara mari dzechikoro, asi hurumende ichiti hapana mwana anofanirwa kudzorerwa mari dzechikoro.

Pastor vekurota kuti vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachafa muna Gumiguru gore rapera, Pastor Phillip Mugadza, vanojiona bato reUnited Democracy Movement semutevedzeri wemutungamiri webato iri.

Muchirongwa cheThe Connection paLiveTalk na8pm, tiri kutarisa kuvhurwa kwaitwa zvikoro

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 13630 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG