Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 04, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 04, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumiriri weChegutu muparamende, VaDexter Nduna, vanopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kubva kumba kwavo zvichitevera kusungwa kwavakaitwa mumhirizhonga yakaitika kuChegutu West musarudzo dzemuZanu PF.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, voita musangano mukuru kuChegutu mangwana, uko zviuru nezviuru zvevanhu vanotarisirwa kuungana.

Zanu PF inoparura hurongwa hwayo hwezvinhu zvayinovimbisa vanhu kana ikakunda musarudzo dzichaitwa munyika.

Sangano reElections Resource Center rokurudzira vanhu kuenda kunonyoresa kuvhota, uye richabatsira vanhu ava nezvekufambisa pakuenda kunonyoresa kuvhota.

Vaimbove mutungamiri weRenamo, VaAfonso Dhlakama, avo vakashaya nezuro, vochemwa nehama neshamwari kusanganisira vamwe vari muZimbabwe.

Dynamos yosangana neHarare City muRufaro Stadium neSvondo mumutambo wayinofanirwa kukunda kuitira kuti murairidzi wechikwata ichi, Lloyd Mutasa, asadzingwa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mabatirwo akaitwa sarudzo dzemuZanu PF dze parimary elections

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 13630 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG