Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 03, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 03, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzeZanu PF dzoratidzira muHarare dzichiti hadzisi kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzichaitwa munyika yose.

Vanorwira kodzero dzevanhukadzi vochema nerekuti madzimai haana kupihwa mikana yakaenzana nevanhurume musarudzo dze primary elections dzichangobva mukuitwa neZanu PF.

Zimbabwe inocherechedza zuva reWorld Press Freedom Day vatori venhau vachiti mitemo inobata vatori venhau haina kumira zvakanaka munguva iyo nyika yakatarisana nesarudzo.

Vashandi vekumabhanga voratidzira zvichitevera kusawirirana kwavo nevakuru vakuru vavo panyaya yemihoro nezvimwe zvichemo zvevashandi.

Studio7 inotarisa zvakadzama kushandiswa kwemidziyo yehurumende musarudzo dzeZanu PF, pamwe nekupiringishwa kwakaitwa dzimwe nhengo dzeTeam Lacoste nechikwata cheGeneration40 wakaitika muZanu PF primary elections.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable pa LiveTalk na8pm, tiri kutarisa mabatirwo akaitwa kodzero dzevanhukadzi musarudzo dzemumapato ari munyika zvichitevera zvakabuda musarudzo dzemu Zanu PF dzema primaries.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 13630 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG