Mumiriri weMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa muHarare West, Muzvare Jessie Majome, vanoti vava kupinda musarudzo yekutsvaka achamirira dunhu iri senhengo yakazvimirira zvichitevera kwavanoti kusaitwa zvakanaka kwesarudzo mubato ravo ravanga vachimirira.
Vanhu vakawanda vochema chema zvikuru nekusabatwa zvakanaka kwesarudzo dzekutsvaka vachamirira bato raVaChamisa musarudzo…
Sarudzo dze primary elections muZanu PF dzosiya vakawanda vasina mufaro…
MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube inoti yapedza sarudzo dze primary elections mumatunhu makumi matatu nemaviri achakwikwidzwa nebato iri pasi pemubatanidzwa weMDC Alliance.
Masangano anomirira varairidzi oita nhaurirano dzechimbi chimbi nehurumende senzira yekuedza kumisa kuramwa mabasa kuri kurongwa kuitwa nevarairidzi munyika yose.
Nyanzvi munyaya dzezveutano dzoyambira vanasikana kuti vasajairire kugaronwa mapiritsi ekudzivirira kubata pamuviri anonzi pachirungu ma “emergency contraceptive pills,” asi kuti vashandise nzira dzekuronga mhuri kana voiita zvepabonde
Ngezi Platinum Stars yowedzera hutungamiri hwayo iri pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League zvichitevera kukunda kwayakaita mumitambo yakaitwa mukupera kwesvondo
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kubuda muma primary elections emapato ezvematongerwo enyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi:
Facebook Forum