Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, 29 Chivabvu 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Chipiri, 29 Chivabvu 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chirongwa cheZEC chemazuva gumi nerimwe chekuongorora mazita mugwaro revavhoti pamwe nekunyoresa kuvhota munzvimbo dzakawanda kana kuti mop –up, chinopera nhasi ZEC ichiti vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu vakashandisa mukana uyu kutarisa uye kugadzirisa mazita avo mugwaro revavhoti.

Bato reMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoita musangano nevatori venhau wekutsanangura mafambiro ari kuita sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dziri kuitwa munyika gore rino.

Vagari vekumisha inogara veruzhinji yeSakubva neDangamvura kwaMutare vavharirwa mvura uye magetsi nekuda kwezvikwereti zvavainazvo kukanzuru yeguta reMutare, uye nekukambani yemagetsi yeZESA. Misha yavharwa magetsi nemvura iyi ndeyedzimba dzekanzuru.

Kushomeka kwemari yekunze kwotyirwa kuti kunogona kukonzera kuti vanotengesa mafuta edzimotokari vakShonawidze mitengo, izvo zvinogona kuzokwidzawo mitengo yezvinhu zvakawanda munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nezvezviri kubuda musarudzo dzekutsvaga vachamirira mapato ari kukwikwidza musarudzo dzegore rino, akana kuti ma primary elections.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG