Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 15, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 15, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanopinda muMasvingo vachitsvaga rutsigiro zuva rimwe chete vanyoresa kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika iyo vachakwikwidzwa nevanhu makumi maviri nevaviri.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kunyange hazvo vakanyoresa kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vakawandisa rwendo rwuno, vanhu vaviri chete, VaMnangagwa naVaNelson Chamisa, ndivo vari kutarisirwa kutatsurana zvine mutsindo.

Zimbabwe Electoral Commission inoti gwaro revavhoti ravapo uye vanhu vanokwanisa kuriwana kubva kuZEC.

Mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, vanoita chibvumirano neMDC Alliance chekushanda pamwe chete musarudzo dzegore rino.

Chido here chekuda kushandira vanhu? Inzara here yapinda munyika iri kukonzerwa nekushaya mabasa? Studio7 inotarisa zvakadzama zviri kupa kuti vanhu vakawandisa rwendo rwuno vapinde musarudzo dzemakanzura, paramende, neseneti.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva reDay of the African Child mangwana, Chikumi 16

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, nhasi tiri kutarisa kunyoreswa kwakaitwa nezuro mazita evanhu kuNomination Courts munzvimbo dzakasiyana siyana munyika yose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG