Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 06, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 06, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri webato reMavambo, VaSimba Makoni, vanoti Zimbabwe Electoral Commission haisi kushanda zvakanaka nemapato anopikisa, uye hapana anonyatsoziva mashandiro ayiri kuita.

Nhengo dzeZanu PF dzinoratidzira muHarare dzichitsigira mutungamiri wadzo, VaEmmerson Mnangagwa, mukuratidzira kunonzi neveruzhinji hakuenzaniswi nemhomho yevanhu veMDC Alliance vakaratidzira muHarare nezuro.

Imwe nhengo yeparamende inoudza ZIMRA kuti ine humbowo hwekuti motokari nembatya dzakaunzwa munyika neZanu PF hadzina kubhadharirwa mitero sezvinodiwa nemitemo...

Vanhu vozeya kuti pamapato maviri makuru eZanu PF neMDC T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, nderipi richawana zvigaro zvakawanda mumatunhu eBulawayo neMatebelaland.

Nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzoita musangano neMugovera kuOhio mu America dzichizeya zvadzingaite senzira yekubatsira bato radzo kumusha.

Bhanga revanhukadzi rinoparurwa zviri pamutemo muHarare hurumende ichivimbisa kubatsira vanhukadzi nemari yekutanga mabhizinisi madiki munyika yose ichiti bhanga iri richavhura misuwo yaro musi wa 12 Chikumi unova Chipiri chesvondo rinouya.

Chikwata chema Warriors chorwisana nema Crocodiles ekuLesotho mu semi final yemakwikwi e Cosafa Cup nhasi manheru.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevari kunze kwenyika panguva iyo nyika yatarisana nesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG