Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 25, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 25, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawanda munyika vokurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vadzinge basa mutevedzeri wegurukota rezvehupfumi VaTerrence Mukupe avo vanonzi vakarova mumwe mutori wenhau uye kutaura mashoko ekunyomba panhepfenyuro.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva reAfrica Day vesangano reZimbabwe Council of Churches vachifora vachikurudzira runyararo.

Mutungamiri wenyika yeEquatorial Guinea VaTeodoro Obiang Nguema voshanyira vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumba kwavo kuBlue Roof.

Bato rinopikisa reNational People’s Front rinoti Zimbabwe haikwanise kuti iite sarudzo dzakachena nemamiriro akaita zvinhu.

Varairidzi voramba kutambira mari yakawedzerwa nehurumende inova zvikamu gumi nezvinomwe kubva muzana.

Bato reMDC-T roita sarudzo dzaro dzemaprimary muHarare nhasi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nezvezuva reAfrica Day zvarinoreva uye zvamaswera muchiita nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG