Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 24, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 24, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika yeEquatorial Guinea VaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo avo vaidyidzana zvakanyanya nevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vosvika muHarare nhasi.

Mutungamiri webato rinopikisa VaNelson Chamisa voita musangano nevatsigiri vavo kuMaphisa, Matabeleland South apo vakawanda munyika vari kushora makurukota eZanu-PF ari kuti vakakunda musarudzo mauto anopindira.

Dare repamusoro reHigh Court rinoti zvakaitwa neRBZ zvekurambidza kushandiswa kwemari yecrypto currency hazvisi pamutemo.

Vemabhizimisi kwaMutare voita musangano wekuyedza kukweva vekunze kuti vauye kuzouchika mari mudunhu ravo.

Muchirongwa cheWomen’s Forum na8pm, tiri kutarisa nyaya yekushungurudzwa kuri kuitwa madzimai ari munyaya dzezvematongerwo enyika, kurohwa kwakamboitwa Amai Joyce Mujuru, uye kutukwa kwakaitwa Muzvare Thokozani Khupe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG