Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 08, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 08, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bato reNational Patriotic Front rinodzinga mutungamiri waro, VaAmbrose Mutinhiri, avo vanotiwo bato iri rapindwa napongwe vachiti nyaya yekuda kupinda mumubatanidzwa weMDC Alliance ndiyo yariparadza.

Mapato eZanu PF neMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa onetsana panyaya yekujekeswa kwekudhindwa kwemagwaro ekuvhotera, uye kwaanodhidhirwa.

MDC Alliance yoita musangano wayo kuMashate Growth Point kuMasvingo.

Zanu PF yoita musangano wayo weCentral Committee muHarare

Studio7 inotarisa mavhotero agara achiita vanhu musarudzo mudunhu reMasvingo, uye kutarisa zvingabude musarudzo dzegore rino mudunhu iri.

Zimbabwe yokweshana neZambia mufainari yeCosafa Cup neMugovera.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zvakabuda muongororo yeAfrobarometer pamusoro pezvingabude musarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG