Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chivabvu 18, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Chivabvu 18, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanosangana nemadzimai muHarare pamusangano wekuzeya nezvehuwandu hwemadzimai ari kukwikwidza musarudzo, pamwe nezvimwe zvinosangana nemadzimai mune zvematongerwo enyika….

Chirongwa cheZimbabwe Electoral Commission, ZEC, chekuongororora gwaro remazita evavhoti kuitira kuona kana mazita avo arimo uye akanyorwa zvakanaka chotarisirwa kutanga mangwana 19 Chivabvu, kusvika 29 Chivabvu mumatunhu ose emunyika…

Mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda vanoti kupindira kweZimbabwe Electoral Commission, ZEC, musarudzo dzekutsvaga vachamirira mapato ezvematongerwo enyika kunogona kuita kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena sezvo vanenge vachizokwikwidza musarudzo dzenyika vachinge vakasarudzwa musarudzwo dzinenge dzakaitwa zviri pachena…….

Sachigaro weZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaVengai Musengi, avo vakasungwa nemapurisa usiku hwadarika nenyaya dzine chekuita nesarudzo dzesarudzo dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo dzenyika, vanotarisirwa kumiswa pamberi pedare nhasi…..

Vagari vekuBirchenough Bridge kudunhu reBuhera South, kuManicaland vari kunyunyuta nekushaya budiriro kwenzvimbo yavo kunyangwe hazvo vachiti vari kubvisa yemitero kukanzuru yavo. Vagari ava pamwechete navanamuzvinabhizinesi veko vanoti vavanechisungo chekuti havazi kuzobvisa mari dzemitero kudzimara vagutsikana……

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nezvechirongwa chekuongorora gwaro remazita evavhoti kuitira kuona kana mazita enyu aripo, icho chiri kutanga mangwana 19 Chivabvu, kusvika 29 Chivabvu…

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG