Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 17, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 17, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawanda vogunun’una zvikuru zvichitevera kupasiswa nedare reseneti kwebhiri rekuvandudza mitemo yesarudzo, bato guru rinopikisa richiti pane zvinhu zvakawanda zvisina kuvandudzwa zvichaita kuti sarudzo dzisaitwe nenzira inotambirwa nemunhu wese.

Makanzura ekuMasvingo onetsana padanho rekupa mumwe mugwagwa wemuguta iri zita rekuti Morgan Tsvangirai, senzira yekuremekedza mutungamiri wekutanga weMDC, mushakabvu Morgan Tsvangirai

VaStern Zvorwadza voshamisa vakawanda vachiti sarudzo dzegore rino dzichange dziri pachena

Vakawanda votaura pazuva rekucherechedza kusavengwa kwengochani pasi rose, kana kuti International Day Against Homophobia and Transphobia.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzozeya zvinoreva kupasiswa kwebhiri rekuvandudza mitemo yesarudzo panguva iyo mapato anopikisa achiti bhiri iri harina kumira zvakanaka.

Muchirongwa cheWomen's RoundTable paLiveTalk na8pm, tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevanasikana munyika nyanya kubhinwa kwevanasikana nekuroodzwa vasati vabva zera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG