Vanhu vanonzi vakazendamira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe negurukota rezvemigodhi, VaWinston Chitando, vanonongedzwa pahuori hunonzi huri kuitika mukambani yemarasha yeHwange Colliery. Izvi zvaudzwa komiti yeparamende inoona nezvezvicherwa nebhodhi reHwange Colliery.