Tsvakiridzo yezvakapa kuti vanhu vapfurwe nemasoja vachifa musi waNyamavhuvhu 1 muHarare, inopinda muzuva repiri komisheni iri kutungamira hurongwa uhwu ichinzwa humwe humbowo kubva kuvanhu.
Tichakupaiwo maonero enyanzvi pamwe neveruzhinji pamusoro pezviri kuipwa kukomisheni iri kunzwa humbowo hwezvatora nzvimbo musi wa Nyamavhuvhu 1 apo pakapfurwa vanhu nemasoja vamwe vakafa vamwe vakakuwara.
Mapurisa muMasvingo anosunga vanhu vari kuita basa rekuchinja mari pamisika mitema, kuchitiwo vamwe vakasungwa kuChinhoyi nezuro vachipomerwa mhosva yekutengesa mari pamusika mutema vamiswawo mudare nhasi.
Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, cheLiveTalk Diaspora Forum, nhasi tiri kutarisa matanho anonzi ari kutorwa nemapato ezvematongerwo enyika muSouth Africa nedzimwe nyika ekuramba vabvakure.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum