Accessibility links

Breaking News

America Yopinda muSarudzo Dzepakati peTemu yeHurumende Vachitsvaga Vadare


Pearl Matibe
Pearl Matibe

musarudzo America iri kupinda musarudzo dzepakati petemu yehurumende nhasi idzo dzichona zvigaro zvose mazana mana nemakumi matatu nezvishanu zvevamiriri veparamende pamwe nezvigaro makumi matatu nezvipfumbamwe zvenhengo dzeseneti zviri kukwikwidzwa, kusanganisirawo zvimwe zvigaro zvehutungamiri hwematunhu ose.

Bato re Democratic Party riri kurwisa kuti rishandise mukana wesarudzo dzepakati petemu idzi kutora masimba kubva kubato re Republican Party iro rine hutungamiri hwematare eSeneti nerepasi re House Of Representatives.

Sarudzo idzi dziri kuitwawo pakati petemu yemutungamiri wenyika vari vebato reRepublican VaDonald Trump. Matunhu anotarisirwa kuita makwikwi akasimba anosanganisira California neArizona neFlorida. Sarudzo dzemuna 2016 dzakaita mutauro Russia ichipomerwa mhosva yekupindira musarudzo idzi kuitira kuti zvaibuda zvitsigire vaTrump, asi vaTrump vari kuzviramba.

Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7 abata chizvarwa cheimbabwe chiri mu Washington DC amai Pearl Matibe kuti tinzwe maonero avo. Amai Matibe vanoti vanotsigira bato rema Democrats uye vane shuwiro yekuti bato ravo ribudirire zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG