Hurongwa hweMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa hwekupemberera kusvitsa makore gumi nemapfumbamwe kwebato irikubva parakavambwa, pamwe nekugadzwa kwaVaChamisa semutungamiri akasarudzwa nevanhu, kuri kuenderera mberi mangwana kuGwanzura stadium.
Vagari vemuBulawayo vanopengera komisheni yaVaKgalema Motlanthe vachiti vanoda kuti nyaya yeGukurahundi itange yataurwa nezvayo kwete kuti komisheni iyi inzwe humbowo hwezvakaitika pavanhu vakapfurwa nemasoja muHarare muna Nyamavhuvhu.
Vagari vemuChitungiwiza vanoti hurumende inofanirwa kutsigira makunzuru emumaguta nemaruwa nemari kuitira kuti akwanise kupinza varapi basa nekutenga mushonga kuitira kuti vanhu vasafe nezvirwere zvechinyakare zvakaita sekorera netyphoid
Varimi vochema chema nekukwira kwaita zvinhu zvekurimisa.
Mitambo yeChibuku Super Cup semi finals yotsviriridza mukupera kwesvondo.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mhirizhonga yaitika muBulawayo apo vanhu vanetsana nekomisheni yaVaMotlanthe
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum