Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 25, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 25, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vanodoma vakuru vakuru mubato ravo vachange vachishandira bato pamwe nekuona kuti makurukota ehurumende azadzisa zvinangwa zvehurumende.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti VaMnangagwa ndivo vari kudzorera shure nhaurirano dzekugadzirisa mamiriro akaita zvinhu munyika dziri kukokerwa neZimbabwe Council of Churches.

Munyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, pamwe nevakuru vemakambani ari pasi pebazi ravo akaita seZimbabwe Broadcasting Corporation neTransmedia, vanotadza kutsanangura kukomiti yeparamende mashandisiro avanoita mari mumakambani aya.

Zvunhu zvoipa muZanu PF zvichitevera bata murefu bata mupfupi iri kuitika mubato iri

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa dambudziko rechirwere chegomarara.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG