Accessibility links

Breaking News

VeWHO ne Zimbabwe Aids Council Vokurudzira Veruzhinji Kuti Varambe Vachinwa Mishonga yemaARV's


Mumiriri webazi reUnited Nations rinoona nezvehutano reWorld Health Organization Dr Alex Gasasira vakurudzira vanhu vari muZimbabwe vari kurapwa chirwere cheHIV/AIDS kuti varambe vachinwa mishonga yemaARV semazuva ose.

Izvi zvinotevera mashoko aya anotevera mashoko amuporofita Walter Magaya vepPHD Ministries ekuti vakawana mushonga unorapa chirwere cheHIV unonzi AGUMA.

Zvichakadaro, sangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors For Human Rights ranyora tsamba kuna VaMagaya, gurukota rezvehutano Dr Obadiah Moyo uye sangano reMedicine Control Authority Of Zimbabwe kuti mushonga weAguma uyu umbomira kutengeswa kusvika paitwa ongororo yemashandiro awo sezvinoitwa pamishonga yose inenge ichizopihwa vanhu.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zvaka siyana siyana musangano reNational Aids council VaRaymond Yekeye vaudzawo mutori wenhau weStudio 7, Marvellous Mhlanga-Nyahuye kuti vanhu vanofanira kuramba vachinwa mishonga yavo yemaARV.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG