Accessibility links

Breaking News

Cancer Association of Zimbabwe Yokurudzira Veruzhinji Kuongororwe Chirwere cheGomarara


pink ribbon

Sangano re Cancer Association of Zimbabwe rinokurudzira veruzhinji kuti vawongororwe gomarara rezamhu pachine nguva uye chirwere ichi chisati chakomba.

Vanhu vanodarika zviuru zvishanu vari kubatwa nezvirwere zvakasiyana siyana zvegomarara pagore rega rega muZimbabwe, asi vazhinji vacho vanozoona vana chiremba chirwere ichi chakomba.

Mutungamiri wesangano iri, Amai Junior Mavhu, vanoti pari zvino vane zvirongwa zvekuwongorora madzimai nevanhurume kuti vanegomarara rezamu here kuitira kuti vawane rubatsiro pane nguva.

Chirwere chegomarara chinonzi chirikuuraya vanhu vazhinji munyika nyanya madzimai kunyangwe hazvo chichiwanikwawo muvanhurumwe.

Rimwewo sangano reCancer Centre riri kukurudzira vakadzi nevarume kuti vashandise mukana wemwedzi waGumiguru kuti vaongororwe chirwere chegomarara, pamwe nekudzidziswa nezvechirwere ichi zviripachena apo varikucherechedza mwedzi weWorld Breast Cancer Month.

Pasi rese riri kucherechedza mwedzi uno senguva yinofanira kuyeuchidzwa vanhu kuti vagare vachiziva nezvechirwere che Gomarara rezamu uye kuti vanobatsirika sei kana chikavawira.

Kurudziro ya Amai Mavhu ndeyekuti munhu wese anofanira kugara achitariswa nguva nenguva kuti chirwere ichi chigone kubaywa nekurapwa chisati chapararriramumuviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG