Makanzura mana eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa anosungwa kuBindura achipomerwa mhosva yekuba chibage mushure mekunge anetsana nenhengo dzeZanu PF dzaigovera vanhu chibage izvo makanzura aya akati zvakanga zvisiri mugwara.
Mapurisa anorwisana nevanotengesa mumigwagwa yemuHarare.
Bazi rezvehutano rochema chema nemari shoma yariri kunzi richapihwa nebazi rezvemari mushure mekunge rakumbira mari inosvika pabhiriyoni imwe nemazana matatu emamiriyoni emadhora.
Madzimai akawanda anga ari pamusangano weWomen Colaition of Zimbabwe anoburitsa kushushikana kukuru nepamusana pedambudziko rechirwere chegomarara.
Bhanga guru renyika ronetsana nemamwe makambani ari munyika - makambani aya achiti banga iri riri kuita rusarura pakupa makambani mari yekunze kuitira kuti akwanise kutenga zvinhu kunze kwenyika
Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa dambudziko rakatarisana nevechidiki vari kutanga mabhizinesi panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemari.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum