Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 18, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 18, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapurisa anoputsa musika wepaCopacabana muHarare izvo zvasiya vanhu vakawanda vasina pekutangira.

Komisheni iri kuongorora zvakaitika mumhirizhonga yakaitika musi wa I Nyamavhuvhu inoenderera mberi ichinzwa humbowo kubva kuvafakazi vamwe vavo vachiudza komisheni iyi kuti ine vamwe vanhu vasingakodzere kunge vari mukomisheni iyi, uye kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vamiswewo pamberi pekomisheni iyi.

Vanorwira kodzero dzevanhu votambira nemufaro kuraswa kwechikamu chemutemo wePublic Order and Security Act wanga uchishandiswa nemapurisa mukumbunyikidza kuitwa kwemisangano.

Vanhukadzi vakawanda vanoti mutemo weProportional Representation unofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti vanhukadzi vakawanda vapinde muzvinzvimbo zvematongerwo enyika. Izvi zvabuda pamusangano weGender Forum uri kuitwa neZimbabwe Gender Commission muBulawayo.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG