Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 29, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 29, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoita musangano nevakuru vemabhizimisi.

Sachigaro wekomisheni iri kuongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu muHarare nemauto Va Khalema Mothlante votarisirwa kuongorora nyaya yemunhu akasungwa kuBulawayo achipa humbowo kukomisheni yavo.

Nyanzvi mune zvematongerwop enyika dzozeya zvinoreva danho reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa zvekugadza VaChamisa semutungamiri akasarudzwa nevanhu.

Veruzhinji voita maonero akasiyanasiyana pamusoro pemashoko emutungamiri wekereke yePHD Ministries VaWalter Magaya ekuti vawana mushonga wekurapa HIV pamwe negomarara.

Zvikwata zvine mukurumbira muZimbabwe Caps United ne Dynamos zvopesana nemukombe weChibuku Super Cup wemwaka uno mushure mekurohwa musi weMugovera neSvondo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa nezvehurongwa hweMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa hwekupemberera kusvitsa makore gumi nemapfumbamwe kwebato iri kubva parakavambwa, pamwe nekugadzwa kwaVaChamisa semutungamiri akasarudzwa nevanhu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG