Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 06, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 06, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vanodarika makumi mashanu vanobatwa nechirwere chemanyoka muKambuzuma.

Vaimbova gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwandira, vanosungwa nemapurisa.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, vanobatsira nemari inosvika mazana mana nemakumi manomwe ezviuru zvemadhora semari ichashandiswa mukuchekungetedza zviwanikwa kuitira kuti vashanyi vekune dzimwe nyika vakwanise kushanyira nzvimbo dzakaita semasvingo a Great Zimbabwe ruins

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa zvichitevera kusarudzwa kwaVaTinashe Kambarami semutevedzeri wameya weguta kunyange hazvo hutungamiri hweMDC hwakanga hwasarudza VaMlandu Ncube kuti vatore chigaro ichi, asi VaNcube vakati havasi kuda kukwikwidza chigaro ichi

Dare reparamende rotarisirwa kutanga kuzeya bhajeti regore rinouya muBulawayo mangwana muhurongwa hunenge huchikokerwa nebazi rezvemari

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa vechidiki vachangobva mukupfekedzwa ngohwani dzedzidzo panguva iyo mabasa ari kunetsa kuwana munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG