Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 23, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 23, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti munyika munofanirwa kuumbwa hurumende itsva inofanirwa kubata matomu kuitira kuti zviri kunetsa munyika zvigadziriswe

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya mabatirwo ari kuitwa basa negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, panguva iyo nyika yaita mamvemve munyaya dzemari.

Vechidiki muZanu PF voshora VaAcie Lumumba vachiti zvavari kuita zvinofumira bato reZanu PF.

Paramende inoudzwa kuti dzidzo iri kudzikira zvakanyanya munyika nepamusana pekushaikwa kwevarairidzi vakadzidzira basa iri.

Studio7 inoenderera mberi nekuburitsa nyaya dzine chekuita nedambudziko rechirwere chegomarara repazamu iro riri kucherechedzwa pasi rose mwedzi uno waGumiguru

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu kune vechidiki munyaya dzehupfumi takatarisira kurudziro yaVaChamisa yekuti munyika muve nehurumende itsva inofanobata matomu ichigadzirisa zviri kunetsa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG