Vamwe vanhu vochema chema nekuenda kunorapwa kwemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga uye gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo kuSouth Africa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehutano munyika.
Hutungamiri hweZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, hwakasungwa nezuro hwotarisirwa kumiswa pamberi pedare redzimhosva nhasi
Bato rinopikisa reMDC roisa mosheni muparamende yekuti hurumende ishandise ma bond notes, uye kuti ishandise mari yekunze yakaita sedhora rekuAmerica nema Rands ekuSouth Africa.
Mitengo yezvinhu yoramba ichiita chamurambamhuru ukowo zvinhu zvotanga kushaikwa muzvitotoro uku RBZ ichiti yawana chikwereti chinosvika zviuru mazana mashanu chekupedza dambudziko iri.
Chikwata che Dynamos chapinda muma semi final emukombe weChibuku Super Cup mushure mekukunda chikwata cheHerentals 5-4 muma penareti pamutambo watambirwa kunhandare yeRufaro muHarare masikati.
Dambudziko remafuta edzimotokari rinonzi ririkuenderera mberi nyanya muguta guru reharare umo vanhu vazhinji vari kuswera vari mamitsetse vakamirira mafuta. Mumwe mugari wemuharare va kuda musasiwa vanoti kusarongeka kwehurumende ndiko kurikukonzera dambudziko iri.
Masangano evarairidzi muZimbabwe anotadza kuungana kuti acherechedze zuva reWorld Teachers Day iro racherechedzwa pasi rose nhasi sezvo muZimbabwe vanhu vasiri kubvumidzwa kuungana nepamusana pechirwere chekorera.
Bhanga re Steward Bank rinoti rine hurongwa hwekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvikwanise kutenga dzimba pasina kusungirwa kubhadhara zvikamu kubva muzana zvemari yemba inenge ichida kutengwa.
Vanhu vakawanda voshushikana nekusabuda pachena kwehurumende panguva iyo vamwe vakuru vakuru muhurumende, kusanganisira makurukota, vanenge vachirwara vachitadza kuenda kubasa hurumende isingazivisi veruzhinji vanobvisa mitero yekuti makurukota aya ange ari pabasa.
Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanotadza kuenda kunobvunzurudzwa muparamende nezvehurongwa hwavo hwekuvandudza hupfumi hwenyika hwavakatura mudare iri panguva iyo mitengo yezvinhu iri kuita chamurambamhuru ichikwira.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hurongwa hwemari hwakaturwa nebhanga guru renyika rwuchanetsa kuti hubudirire sezvo zvinhu zvisina kumira zvaknaka munyaya dzehupfumi.
Hutungamiri hweMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, hweNational Standing Committee, hunobuda nehurongwa hwekuumbwa kwebato rimwe chete reMDC rakasimba kuitira kuti rigadzirire kutora masimba ekutonga nyika kana nguva yacho yasvika.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika pamwe nenyaya dzehupfumi dzozeya mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kumusangano mukuru weUnited Nations General Assembly kuNew York nezuro.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, votarisirwa kutaura kekutanga nhasi semutungamiri wenyika kumusangano mukuru weUnited Nations General Assembly kuNew York.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muAmerica ne Canada zvakasangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pamusangano wakaitwa muNewYork neSvondo. VaMnangagwa vari muNew York uko varikupinda mumusangano weUnited Nations General Assembly.
Vamwe vatsigiri vebato reMDC vari muAmerica vakaratidzira panze pemusangano wakaitwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa muNew York nemusi weSvondo vachiti havava cherechedze semutungamiri wenyika. Kunyangwe zvazvo vange vari vashoma vatsigiri ava vonoti vakafadzwa nekuratidzira kwavakaita.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara kuAmerica neku Canada zvakasangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuNewYork nemusi weSvondo pamusangano wekutaura nezvehwaro hwavo nevanogara kunze kwenyika.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoenderera mberi nekuita misangano kumucheto kwemusangano mukuru weUnited Nations General Assembly kuNew York, uyo vari kupinda kekutanga semuytungamiri wenyika.
Chirwere chekorera chaura vanhu vanosvika makumi mana nevashanu, makumi mana nevatatu vari vemuharare chete.
Vaimbove gurukota rezvematunhu nekutongwa kwemaguta muhurumende yaVaRobert Mugabe, VaSavior Kasukuwere, vanosungwa nemapurisa mushure mekuzvipira kumapurisa ayo anonzi anga achivatsvaga nenyaya yebambu rakaputika kuWhite City stadium muBulawayo mwedzi yakati kuti yadarika.
Rodhai zvimwe