Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 04, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 04, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawanda voshushikana nekusabuda pachena kwehurumende panguva iyo vamwe vakuru vakuru muhurumende, kusanganisira makurukota, vanenge vachirwara vachitadza kuenda kubasa hurumende isingazivisi veruzhinji vanobvisa mitero yekuti makurukota aya ange ari pabasa.

America inoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kugara vakataura zvinhu zvakanaka zvakawanda mazuva ose, asi yasvika nguva yekuti vachiita zvavari kutaura senzira yekugadzirisa chimiro chenyika pasi rose.

Nhengo dzeparamende dzosungirwa kuzivisa hupfumi hwadzinahwo mangwana asati apfuura sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Sangano revarairidzi re Zimbabwe Teachers Association, Zimta, roshushikana nemabatirwo ari kuitwa nyaya yebvunzo dze Grade 7.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa padambudziko rekorera ranetsa munyika yose..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG