Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, votarisirwa kutaura kekutanga nhasi semutungamiri wenyika kumusangano mukuru weUnited Nations General Assembly kuNew York.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu, reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti VaMnangagwa vanofanirwa kushandisa mukana wekutaura kuUnited Nations kuratidza kuti mutungamiri wenyika anoremekedza kodzero dzevanhu vose, uye anoda kushamwaridzana nenyika dzepasi rose
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvopa pfungwa dzazvo pazvinhu zvinofanirwa kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa kuitira kuti ibude mumatope airi
Makurukota mazhinji ehurumende anotadza kuenda kuparamende sezvaiitika munguva yaVaRobert MUgabe
Madzimai anotengesa zvinhu mumigwagwa kuMasvingo onyunyuta nemabatirwo avari kuitwa nemapurisa, ayo anonzi ari kuvabata zvisina kururama.
Murairidzi wechikwata chemaWarriors Sunday Chidzambwa nhasi adoma chikwata chake chemitambo miviri yeAfrica Cup of Nations neDemocratic Republic of Congo.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika kuUnited Nations General Assembly uko VaMnangagwa vachaura nhasi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum