Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 25, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 25, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoenderera mberi nekuita misangano kumucheto kwemusangano mukuru weUnited Nations General Assembly kuNew York, uyo vari kupinda kekutanga semuytungamiri wenyika.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanotaura kumusangano weUnited Nations General Assembly, vachibata bata nyaya yeIran iyo vanoti ndiyo nyika huru mukurudzira vanoita zvisiri pamwero

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya hurongwa hwaVaMnangagwa hwekukwezva makambani ekunze panguva iyo Zimbabwe iri kutatarika nekutsvaga mari yekurwisa chirwere chekorera.

Vaimbove gurukota rezvekutongwa kwematunhu muhurumende yaVaRobert Mugabe, VaSavior Kasukuwere, vanomiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva dzekushandisa hofisi yavo zvisiri pamwero apo vaive gurukota.

Vamwe vabereki vopengera mumwe mukuru wepachikoro chemuHarare mushure mekunge abuda pachena kuti ingochani

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa nyonga nyonga yakaitika pachikoro chine mukuru akaburitsa pachena kodzero yake yekuva ngochani izvo zvisina kutambirwa zvakanaka nevamwe vabereki vane vana vanodzidza pachikoro idzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG