Hutungamiri hweZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, hwakasungwa nezuro hwotarisirwa kumiswa pamberi pedare redzimhosva nhasi
Zvinhu zvoramba zvakaoma munyika kunyange hazvo mutengo we bond note ne RTGS uchinzi wati dzikireyi
Sangano reTajamuka rokurudzira veruzhinji kuratidzira zvine mutsindo neMuvhuro richiti iyi ndiyo chete nzira yekuuudza hurumende kuti yakundikana kugadzirisa zvinhu munyika
Vanofarira mitambo vowana chinovafadza mukupera kwesvondo sezvo kuine mitambo yetsiva pamwe nemitambo yenhabvu mumakwikwi eHarare Derby pamwe nemutambo wemaWarriors nechikwata che Democratic Republic of Congo.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzehupfumi, kushaikwa kwemishona, kushaikwa kwezvinhu muzvitoro pamwe nekushaikwa kwemari.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum