Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 09, 2018


Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 09, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bato rinopikisa reMDC roisa mosheni muparamende yekuti hurumende ishandise ma bond notes, uye kuti ishandise mari yekunze yakaita sedhora rekuAmerica nema Rands ekuSouth Africa.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions roronga kuratidzira nemusi weChina asi mapurisa anoti kuratidzira uku hakufanirwe kuenderera mberi sezvo munyika muine chirwere chekorera

Kanzuru yeHarare yovharira mvura vanhu vane zvikwereti kukanzuru iyi panguva iyo chirwere chekorera chiri kunetsa munyika

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa chirongwa cheMandela Washington Fellowships, kana kuti YALI, icho vechidiki vari kunyorera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG