Mitengo yezvinhu yoramba ichiita chamurambamhuru ukowo zvinhu zvotanga kushaikwa muzvitotoro uku RBZ ichiti yawana chikwereti chinosvika zviuru mazana mashanu chekupedza dambudziko iri.
Mishonga yoshaikwa muzvipatara uko makambani emaMedical Aid oramba kutambira makadhi evanhu achiti haakwanise kubhadhara mari.
Bond note nemari iri mumabhanga yeRTG’s yoramba ichishaya simba zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika kucherechedza mwedzi wekurwisa chirwere chegomarara.
Dynamos iyo iri kutatarika zvakanyanya yopinda mumasemi finals emukombe weChibuku Super Cup.
Muchirongwa cheLivetalk, na8.pm tine hurukuro nemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa nezvemamiriro akaita zvinhu munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Facebook Forum