Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanotadza kuenda kunobvunzurudzwa muparamende nezvehurongwa hwavo hwekuvandudza hupfumi hwenyika hwavakatura mudare iri panguva iyo mitengo yezvinhu iri kuita chamurambamhuru ichikwira.
Vamwe vakuru vakuru vaviri mukambani yeZimbabwe Electricity Supply Authority vanosungwa vachipomerwa kuita huori zvichitevera kushandiswa kwemari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora yakashandiswa pakutenga ma transformer.
Gurukota rezvehupfumi, VaMangalisa Ndlovu, vanoti makambani haafanirwe kuchemera kuchengetedzwa nehurumende asi kuti anofanirwa kukwikwidzana nemamwe makambani kuitira kuti abudirire.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukubatsira Zimbabwe.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum