Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 28, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 28, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hutungamiri hweMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, hweNational Standing Committee, hunobuda nehurongwa hwekuumbwa kwebato rimwe chete reMDC rakasimba kuitira kuti rigadzirire kutora masimba ekutonga nyika kana nguva yacho yasvika.

Studio7 inotarisa zvakadzama zvange zvichiitika kumusangano weUnited Nations General Assembly muNew York, uko mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakataura nemusi weChitatu kekutanga kumusangano uyu semutungamiri wenyika.

Vashandi veForestry Commission voyaura nenhamo kwemakore anodarika matatu vasina mari yavari kutambiriswa

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda ndizvo zvine mvumo yekushanda nekugara muBotswana kudarika zvizvarwa zvedzimwe nyika…

Chikwata cheDynamos chiri kutanga hupenyu hutsva chisina murairidzi wacho wemakore maviri Lloyd Mutasa asi chakatarisana negomo risina materu

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG